Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu
zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake,
zvichaitika nokukurumidza.
Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake
kumuranda wake Johani
uyo akapupurira izwi raMwari,
akapupurawo uchapupu hwaJesu
uye zvose zvaakaona.
Akakomborerwa zvake uyo anoverenga
mazwi okuporofita aya.
Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo
nokuti nguva yavapedyo.
Ndini Johani ndinokunyorerai
imi masangano manomwe okuAsia ndichiti:
Dai chikomborero chokuitirwa nyasha
nokuwaniswa rugare changova nemi
chichibva kuna iye aripo, akanga aripo uye achazovapo,
uyewo chichibva kumweya minomwe
iri pamberi pechigaro chake choumambo,
uyezve chichibva kuna Jesu mupupuri akatendeka,
dangwe ravafi,
mutongi wamadzimambo apanyika.
Iyeyu anotida, akatisunungura kuzvitadzo zvedu
neropa rake akaita kuti tive umambo,
uye kuti tive vapristi kuna Mwari wake nababa vake,
iye ngaawaniswe mbiri nokutonga narini narini.
Ameni.
Hezvo achauya ari mumakore.
Ziso rose richamuona
nomunhu wose akamubaya
uye marudzi ose apasi pano achamuchema zvikuru.
Ngazvive saizvozvo. Ameni.
Ndini Arifa naOmega
ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari,
iye aripo, akanga aripo uye achazovapo,
iye Samasimbaose.
Ndini Johani hama yenyu
ndinoshamwaridzana nemi muna Jesu
munhamo uye tiri pasi poumambo humwechete
uyezve mukutsungirira kutirira.
Ndakanga ndiri pachitsuwa chinonzi Patimosi
pamusana peshoko raMwari
uye pamusana pokupupurira Jesu.
Ndaiva naMweya pazuva raTenzi
ndikanzwa necheshure kwangu
kurira kukuru kunenge kwebhosvo
richiti, “Nyora mubhuku zvauchaona
uzvitumire kumasangano manomwe aya anoti,
reEfesusi nereSimuna nerePerigamumu nereTiatira
nereSadhisi nereFiradefia nereRaodhekia.”
Ndipo pandakatendeuka
kuti ndione kuti izwi rani raitaura neni.
Pandakatendeuka ndakaona
zvigadzikiro zvomwenje zvendarama zvinomwe.
Pakati pezvigadzikiro zvinomwe zviya
ndakaona akaita soMwanakomana womunhu
akanga akapfeka gemenzi rakareba
nomudya wendarama padundundu pake.
Musoro wake nevhudzi rake
zvakanga zvakachena sewuru chena,
uye zvakachena samazaya echando.
Maziso ake akanga akaita serimi romoto.
Tsoka dzake dzakanga dzakaita somundarira
wakakwenenzverwa mubisiro zvokutsvedzerera,
izwi rake richiita seruzha rwemvura zhinji.
Muruoko rwake rworudyi akanga akabata nyenyedzi nomwe.
Mumuromo make makabuda bakatwa romucheka kose rinopinza,
uso hwake hwaiita sezuva
huchibwinya zvikuru.
Pandakamuona ndakawira pasi
patsoka dzake sokunge ndafa,
asi iye akaisa ruoko rwake rworudyi pandiri achiti,
“Usatye, ndini Wokutanga noWokupedzisira.
Ndini mupenyu uya,
hongu ndakambofa zvangu
asi tarisa uone
ndava mupenyu nokusingaperi
uye ndine kii dzorufu nedzokunzvimbo yavafi.
Zvino chipota uchinyora zvaunoona
zviripo nezvichazovapo.
Pane zvechakavandika ichi,
chezvenyenyedzi nomwe,
dzawaona muruoko rwangu rworudyi
nezvigadzikiro zvinomwe zvendarama;
nyenyedzi nomwe ndivo vatumwa vamasangano manomwe,
zvigadzikiro zvinomwe ndiwo masangano manomwe.”