saka tidzidziseiwo kuverenga mazuva edu kuti tingwarire. Muchasvika kupiko nhai TENZI? Dzokai zvenyu muitire varanda venyu ngoni. Tiratidzeiwo mwoyochena wenyu mangwanani kuti tipembere kufara uye tifare mazuva edu ose. Tipeiwo kufara kwamazuva akaenzana namazuva amakatirwadzisa uye kwamakore atakaona nhamo. Ratidzai mabasa enyu kuvaranda venyu uye mbiri yenyu kuvana vavo. Nyasha dzatenzi Mwari wedu ngadzive patiri. Basa ramaoko edu muite kuti ribudirire. Hongu ngaribudirire basa ramaoko edu.
Verenga chikamu Nziyo 90
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 90:12-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo