Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 9:1-12

Nziyo 9:1-12 SCLB

Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose. Ndichaparidza mabasa enyu anoshamisa; ndichafara nokupembera mamuri. Ndicharumbidza zita renyu imi Wokumusorosoro. Kana mhandu dzangu dzopishinuka kudzoka, dzinodzadzarika dzoparara, mberi kwenyu. Nokuti makandirwira pane zvandinokodzera nezvandinochemera, makagara pachigaro chenyu chokutonga muchitonga zvakarurama. Makapa vechirudzi mhosva mukaparadza vakaipa, makadzimawo zita ravo narini narini. Vavengi vakatsvairwa; vava matongo nokusingaperi. Maguta avo angove matongo zvokurangarirwa havachamborangarirwa. TENZI anogara pachigaro chake chokutonga nokusingaperi, akadzika chigaro chake choumambo kuti atonge. Uye, anotonga pasi pose zvakarurama anotongawo marudzi avanhu pachokwadi. TENZI ndiye nzvimbo yokupotera yavanhu vanodzvinyirirwa ndiye nzvimbo yokupotera panguva yenhamo. Vanoziva zita renyu vanovimba nemi nokuti imi TENZI hamufuratiri vanokutsvakai. Pururudzirai TENZI anogara muZioni. Paridzirai vanhu zviito zvake. Nokuti, iye, anotsividza ropa radeurwa, anovayeuka. Haakanganwi kuchema kwavari munhamo.

Verenga chikamu Nziyo 9