Nziyo 67
67
Muimbisi: Rumbo urwu, rwiyo rwunoimbwa nezvokuimbisa zvine tambo dzewaya.
Rwiyo rwokutenda kukohwa kwakanaka
1Mwari ngaatinzwire nyasha atikomborere
apenyese uso hwake patiri.
Dzepfunde
2Kuti nzira yenyu izivikanwe pasi.
Marudzi ose avanhu
azive simba renyu rokuponesa.
3Vanhu ngavakurumbidzei Mwari;
vanhu vose ngavakurumbidzei.
4Marudzi ose ngaafare
aimbe norufaro;
nokuti munotonga vanhu noruenzaniso
muchitungamirira marudzi avanhu panyika.
Dzepfunde.
5Vanhu ngavakurumbidzei Mwari;
vanhu vose ngavakurumbidzei.
6Nyika yakabereka mukoho wayo
Mwari, Mwari wedu atikomborera.
7Mwari atikomborera;
ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 67: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.