Inzwai izwi rangu Mwari pandinonyunyuta, ndidzivirireiwo kumuvengi anotyisa. Ndivandisei kune zvinorongwa muchivande navakaipa kuzvinhu zvinoranganwa navakaipa. Vanorodza ndimi dzavo samapakatwa vachinangisa mazwi anorwadza semiseve. Vanopfura asina mhaka vakahwandira vachimupfura zvisina yambiro vasingatyi. Vanotsungirira kuita zvakaipa, vanokurukura nezvokuteya misungo muchivande vachiti, “Ndiani anotiona?” Vanotsvaga mhosva dzokupara vozoti, “Tanyatsoronga kwazvo uipi uhu nokuti pfungwa nemwoyo womunhu zvakadzama.” Asi Mwari achavapfura nomuseve wake achivakuvadza zvechivhurumukira. Rurimi rwavo ndirwo rwuchavapisa mhosva vose vachavaona vachadzungudza musoro. Ipapo vanhu vose vachatya vachakurukura zvinenge zvaitwa naMwari vachirangarira zvaanenge aita. Vakarurama ngavapembere kufara muna TENZI vavande maari. Vose vakanaka mwoyo ngavapururudze.
Verenga chikamu Nziyo 64
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 64:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo