Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 62:1-12

Nziyo 62:1-12 SCLB

Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti kwaari ndiko kunobva ruponeso rwangu. Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handizobva ndazunguzwa zvakanyanya. Kusvikira riniko iyemi mose muchingoda kurwisana nomunhu kuti mumuparadze; munhu anongovawo zvake madziro akatsenhuka kana sewaya yava kuda kuwa. Vanotoronga zvokumuwisira pasi kubva pachigaro chake chapamusoro vanofarira kureva nhema vanopa chikomborero nomuromo yavo asi mukati mavo vachirengerera munhu rushambwa. Dzepfunde. Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti ndinotarisira kwaari. Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handimbozungunutswa. Ruponeso rwangu nokuremekedzwa kwangu zvinobva kuna Mwari Mwari ndiye dombo rangu rakasimba nediziro rangu. Vimbai naye nguva dzose imi vanhu, turirai kwaari zvose zviri mumwoyo menyu Mwari ndiye diziro redu. Dzepfunde Voruzhinji vakangoita sefemo zvaro; vanhu vopamusoro imhute hapana zvavari, vakaiswa pachikero chinosimuka; vanotokundwa kurema nefemo zvaro. Musavimbe nokuita zvokumanikidza vanhu kana kutarisira kuwana zvinhu nokupamba. Kunyange upfumi hukawanda zvahwo, usaise mwoyo wako mahuri. Mwari akataura ndakamunzwa kaviri kaviri achiti, “Muridzi woukuru ndiMwari.” Uye kuti imi TENZI ndimi mune mwoyochena nokuti munopa munhu maererano nezviito zvake.

Verenga chikamu Nziyo 62