Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu. Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru. Muchavavarira munhu kusvikira riniko, Kuti mumuuraye imi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotseyama? Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumwoyo mavo. Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo; Nokuti ndinomutarira iye. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi. Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari. Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; Dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu. Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya. Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana pfuma ichiwanda, regai kuinamatira nomwoyo. Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari; Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; Nokuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.
Verenga chikamu Mapisarema 62
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 62:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo