Nziyo 61
61
Muimbisi, urwu rumbo rwaDhavhidhi. Rwunoimbwa nezvokuimbisa zvetambo dzesimbi.
Munamato kana pane zvanetsa
1Mwari teererai chichemo changu
munzwewo munamato wangu.
2Ndinodanidzira ndiri kwakaperera nyika
ndavakurasa mwoyo.
Ndikwidzei padombo rakareba kupinda ini
3nokuti ndimi diziro rangu
nhare yakasimba pakurwiswana nomuvengi.
4Regai ndigare zvangu
mutendhe renyu nokusingaperi
ndivande zvangu pasi pamapapiro enyu.
Dzepfunde
5Nokuti imi Mwari munonzwa mhiko dzangu
munondipa nhaka yavanotya zita renyu.
6Pamhidzirai upenyu hwamambo
makore ake ngaasvike kuzvizvarwa nezvizvarwa.
7Ngaarambe ari pachigaro chokutonga
nokusingaperi pamberi paMwari
mwoyochena nokutendeka ngazvive naye.
8Naizvozvo ndichaimbira zita renyu
ndichikurumbidzai
pandinopira pazuva nezuva zvandakatsidza.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 61: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.