Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 37:1-40

Nziyo 37:1-40 SCLB

Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa nokuti vachakurumidza kuuna souswa vachabhuruvara samakwenzi manyoro. Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike. Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako. Isa upenyu hwako muna TENZI vimba naye, iye achaona zvokuita. Achaita kuti ururami hwako hubude pachena sechiedza uye mamiriro oupenyu hwako sezuva ramasikati. Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa. Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa, nokuti vakaipa vachaparadzwa asi vanotarisira naTENZI vachava ndivo varidzi venyika. Kunongoita kanguva kaduku chete, vakaipa panenge pasisina. Kana ukazonyatsotarisa panzvimbo yake anenge asisipo. Asi vanozvirereka vachava ndivo varidzi venyika vachazofara nokubudirira kukuru. Munhu akaipa anorongera mururami zano rakaipa achimuzhinyurira mazino. Asi TENZI anoseka wakaipa nokuti anozviona kuti zuva rake richasvika. Vakaipa vanozvomora mapakatwa avo nokutatamura uta hwavo kuti vauraye varombo navasina chavanacho. Kuti vauraye vanofamba zvakarurama. Bakatwa ravo richavabaya ivo mwoyo uye uta hwavo huchatyorwa. Vakarurama zvavanazvo zvishoma zvirinani pane zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Maoko avakaipa achatyorwa asi TENZI anotsigira vakarurama. TENZI ane hanya noupenyu hwavakarurama. Nhaka yavo ichavapo nokusingaperi. Pamazuva akaipa havambonyadziswa pamazuva enzara ivo vanenge vane maguta. Asi vakaipa vachaparara mhandu dzaTENZI dzakafanana nokunaka kwamafuro anonyangarika soutsi. Muipi anokwereta asi haadzore asi mururami ane mwoyo wokupa uye anopa nokuti vanokomborerwa naTENZI nyika ichava yavo asi vaanopa rushambwa vanobva vaparara. Munhu kana achifamba anotungamirirwa naTENZI; anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza Kunyange akawa, haabva ati mbombombo nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko. Ndakanga ndiri muduku asi zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa kana vana vake vachikumbira chingwa. Anogara achipa zvakawanda uye achikweretesa vana vake vachiva chikomborero. Siana nouipi uite zvakanaka nokudaro uchagara nokusingaperi nokuti TENZI anoda ruenzaniso; haarasi varurami vake. Achavachengetedza nokusingaperi asi vana vavakaipa vachaparadzwa. Vakarurama ndivo vachava varidzi venyika uye vachagaramo nokusingaperi. Muromo womururami unotaura zvine ungwaru rurimi rwake runotaura noruenzaniso. Mutemo waMwari wake uri maari haadzadzariki pakufamba. Wakaipa anovandira wakarurama achitsvaka kumuuraya. TENZI haamurege achiwira mumaoko ake kana kumurega achipiwa mhosva paanotongwa. Mirira TENZI uchengete nzira yake. Iye achakukudza kuti nyika ive yako; unotozoona kuparadzwa kwavakaipa. Ndakamboona munhu wakaipa ano mukundo akati dzuu kwazvo somusidhari weRebhanoni. Ndakazopfuurazve napo asi akanga asisipo. Ndakamutsvaka asi akanga asisipo. Tarira uone munhu akarurama uone munhu ari pachokwadi, nokuti munhu worugare aneramangwana. Vatadzi vanofanira kuparadzwa zvachose upenyu hwavo hwamangwana huchaparadzwa. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna TENZI ndiye diziro ravo panguva yenhamo. TENZI anovabatsira uye anovanunura. Anovanunura kuvakaipa achivaponesa nokuti vanovanda maari.

Verenga chikamu Nziyo 37