Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:1-40

Mapisarema 37:1-40 SNA2002

Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema. Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita. Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga. Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru. Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanyira meno ake. Ishe achamuseka; Nokuti anoona kuti zuva rake rinouya. Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira; Munondo wavo uchapinda pamwoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa. Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura Zvakawanda zvavakaipa vazhinji. Nokuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama. Jehovha anoziva mazuva avane mwoyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi. Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa. Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi. Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane ngoni, anopa. Nokuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa. Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake. Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake. Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya. Zuva rose anoramba ane ngoni, achiposa; Vana vake vanokomborerwa. Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi. Nokuti Jehovha anoda zvakarurama, Haasiyi vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi. Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama. Murayiro waMwari wake uri mumwoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki. Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya. Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa. Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona. Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo. Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi. Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; Nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare. Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa. Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika. Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, Nokuti vakandovanda maari.