Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 32:1-5

Nziyo 32:1-5 SCLB

Akakomborerwa zvake munhu akaregererwa kukanganisa kwake ane chitadzo chakafushirwa. Akakomborerwa munhu asingapiwe mhosva naTENZI, munhu asina mweya wounyengedzi. Pandakanga ndisina kureurura chitadzo changu, ndakaperezeka muviri pamusana pokuwuwura kwangu zuva rose nokuti siku nesikati shamhu yoruoko rwenyu yakanga yakandiremera. Simba rangu rakapera kupwa sapachirimo. Dzepfunde Ndakareurura chitadzo changu kwamuri. Handina kuvanza uipi hwangu. Ndakati regai ndireurure zvikanganiso zvangu kuna TENZI. Imi makaregerera mhosva yechitadzo changu. Dzepfunde

Verenga chikamu Nziyo 32