Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 26:1-12

Nziyo 26:1-12 SCLB

TENZI ratidzai kuti handina mhosva nokuti ndakafamba muchokwadi uye ndakavimba nemi TENZI ndisingazunguziki Ndivhenekei TENZI mundiedze munyatsopenengura pfungwa dzangu nemwoyo wangu. Nokuti mwoyochena wenyu ndinogara ndichiuona uye ndinofamba ndakatendeka kwamuri. Handigare navanyengedzi kana kufambidzana navasiri pachokwadi. Ndinovenga gungano ravakaipa uye handitandare navakaipa. Ndinoshamba maoko angu ndisina mhosva. Ndigotendererawo atari yenyu TENZI ndichiimba rwiyo rwokutenda ndichiparidza zvamakaita zvinoshamisa. TENZI, ini ndinoda Imba yamunogara, nzvimbo inogara mbiri yenyu. Musanditsvaire pamwechete navatadzi kana kutsvaira upenyu hwangu pamwechete navaurai, vanhu vana maoko oujarijari, vazere muruoko rworudyi nepfumbamuromo. Asi kana ndirini ndinofamba pachokwadi. Ndinunurei mundinzwirewo ngoni. Tsoka yangu iri pakati sandara, mukati megungano guru ndicharumbidza, TENZI.

Verenga chikamu Nziyo 26