asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura. Vakachema kwamuri vakanunurwa vakavimba nemi vakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handisi munhu ndinoshorwa navanhu, ndinozvidzwa navanhu. Vose vanondiona vanondisveeredza, vanondimonyera muromo vachizunguza musoro. “Akazviturira kuna TENZI, ko ngaachimuponesa, ngaachimununuraka nokuti anomuda.” Asi imi ndimi makandiburitsa munhumbu mukandichengeta zvakanaka pandaiyamwa. Ndakapirwa kwamuri kubvira pakuberekwa kwangu. Kubvira pandakaberekwa naamai vangu ndimi manga muri Mwari wangu.
Verenga chikamu Nziyo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 22:3-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo