Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 22:19-31

Nziyo 22:19-31 SCLB

Asi imi TENZI regai kuva kure; imi simba rangu kurumidzai kuzondibatsira. Ndinunureiwo kubakatwa mununure upenyu hwangu kusimba rembwa. Ndinunureiwo kumuromo weshumba, ndipindureiwo, ndiri parumano rwenyanga dzenyati. Iniwo ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu, mukati mesangano ndichakurumbidzai. “Imi munotya TENZI murumbidzei, imi mose vana vokwaJakobho, murumbidzei. Mudederei imi vana vokwaIsiraeri nokuti haana kuzvidza kana kusema nhamo yavatamburi. Haana kuvanza uso hwake kwaari asi akamunzwa paakachema kwaari.” Zvokuti ndikurumbidzei mugungano guru, zvinotobva kwamuri, zvandakatsidza ndichazviita ndiri muvanhu vanokutyai. Varombo vachadya vakaguta vanomutsvaka vacharumbidza TENZI, dai mukangorarama nokusingaperi. Nyika dzapasi pano dzicharangarira dzigodzokera kuna TENZI mhuri dzose dzamarudzi avanhu dzigwadame pamberi penyu nokuti umambo ndohwaTENZI uye anotonga pamusoro pevechirudzi. Vose vanozvikudza vapanyika vachamugwadamira vose avo vachapinda muguva navose vasingagoni kuzviraramisa vachatozomupfugamira chete. Zvizvarwa zvichauya zvichamushumira zvizvarwa zvinotevera zvichataurirwa nezvaTENZI zvichauyawo zvigoparidza ururami hwake kuvanhu vachatozozvarwa kuti, “TENZI akazviita.”

Verenga chikamu Nziyo 22