Mwari wangu, Mwari wangu mandisiireiko; muri kure kure seiko pakundibatsira uye kumazwi okugomera kwangu. Mwari wangu, ndinochema masikati asi hamupinduri uye nousiku asi handiwani zororo asi imi muri mutsvene, pakurumbidzwa, ndimi makagadzwa umambo chaihwo muIsiraeri. Madzibaba edu akavimba nemi, vakavimba, imi mukavanunura. Vakachema kwamuri vakanunurwa vakavimba nemi vakasanyadziswa. Asi ini ndiri honye, handisi munhu ndinoshorwa navanhu, ndinozvidzwa navanhu. Vose vanondiona vanondisveeredza, vanondimonyera muromo vachizunguza musoro. “Akazviturira kuna TENZI, ko ngaachimuponesa, ngaachimununuraka nokuti anomuda.” Asi imi ndimi makandiburitsa munhumbu mukandichengeta zvakanaka pandaiyamwa. Ndakapirwa kwamuri kubvira pakuberekwa kwangu. Kubvira pandakaberekwa naamai vangu ndimi manga muri Mwari wangu. Musave kure neni nokuti nhamo iri padyo uye hapana wokundibatsira. Handira zhinji dzakandikomba, handira dzakasimba dzokuBhashani dzakandikomberedza. Dzinondishamira muromo kwazvo seshumba dzinouraya dziri kudzvova. Ndadururwa semvura, mapfupa angu asvodogoka, mwoyo wangu waita senamo, wanyongodeka mudundundu mangu. Simba rangu rakatooma kuti papata sezenga. Rurimi rwangu rwavakutonamira kumatadza, matonditi rapata muguruva rorufu. Imbwa dzakandikomberedza, chikwata chavakaipa chakanditenderedza; vabaya maoko angu namakumbo angu, ndavakutokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanondinan'anidza vachinyatsondiongorora. Vari kugoverana zvavo zvipfeko zvangu; hanzu dzangu varikutodziitira chin'ange.
Verenga chikamu Nziyo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 22:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo