Dai TENZI akangokupindurai pazuva renhamo! Dai zita raMwari waJakobho angokudzivirirai. Ngaakutumirei rubatsiro runobva kunzvimbo inoera norutsigiro rwake runobva kuZioni. Dai angoyeuka mipiro yenyu yose uye afadzwe nezvibayiro zvenyu zvose. Dzepfunde. Dai angokupai zvinoda mwoyo wenyu aite kuti zvirongwa zvenyu zvibudirire. Ipapo tichapururudzira kukunda kwenyu norufaro. Tigosimudza mureza wedu muzita raMwari wedu TENZI akuitirei zvose zvamunokumbira. Zvino ndavakuziva kuti TENZI achabatsira muzodzwa wake, achamupindura ari kudenga rake rinoera nesimba roruoko rwake rworudyi. Vamwe vanovimba nengoro dzehondo; vamwe vanovimba namabhiza asi isu tinovimba nezita raTENZI Mwari wedu. Ivo vachaputsikira pasi vagowa asi isu tichamuka tigomira takati twi. TENZI, Itai kuti mambo akunde, tipindureiwo pazuva ratinodaidzira.
Verenga chikamu Nziyo 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 20:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo