TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga. Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
Verenga chikamu Nziyo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 18:2-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo