Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 143:1-12

Nziyo 143:1-12 SCLB

Inzwai munamato wangu TENZI; teererai chichemo changu. Ndipindureiwo nokutendeka kwenyu noururami hwenyu. Musapinze ini muranda wenyu dare nokuti hapana mupenyu akarurama pamberi penyu, nokuti muvengi ari kundironda; andibvumburudza muvhu. Akaita kuti ndigare murima savakafa kare kare. Ndokusaka ndapererwa nesimba, ndadzongodzwa mwoyo ini. Ndinoyeuka mazuva akare, ndinorangarira zvose zvamakaita ndinofungisisa zvakaitwa namaoko enyu. Ndinosimudzira maoko angu kwamuri mweya wangu une nyota nemi sapasi pakaoma. Dzepfunde. Kasikai kundipindura TENZI ndapererwa ini, musavanze uso hwenyu ndingadaro ndikaita savaya vanoenda kuguva. Regai ndinzwe nezvemwoyochena wenyu mangwanani nokuti ndinovimba nemi. Ndidzidziseiwo nzira yandingafambe nayo, nokuti ndinosimudzira pfungwa nemwoyo wangu kunemi. Ndinunureiwo kuvavengi vangu TENZI ndinopotera kwamuri. Ndidzidziseiwo kuita kuda kwenyu nokuti ndimi Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire nomunzira yakati sandara. Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu nokuda kwezita renyu, pamusana poururami hwenyu, ndiburitseiwo mumatambudziko. Pamusana pomwoyochena wenyu, paradzai vavengi vangu, muparadze mhandu dzangu dzose nokuti ndiri muranda wenyu.

Verenga chikamu Nziyo 143