Kana mweya wangu washaya simba imi munoziva nzira yandinofanira kutora munzira yandinofamba vakanditeera musungo. Tarisai zvenyu kurudyi muone kuti hakuna anombondionawo, hakuna kwokupotera, hapana ane hanya neni. Ndinochema kwamuri TENZI ndichiti ndimi diziro rangu; nhaka yangu munyika yavapenyu. Chinzwai kuchema kwangu nokuti ini ndapera simba; ndiponeseiwo kuvanhu vanonditambudza nokuti vane simba kupinda ini.
Verenga chikamu Nziyo 142
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 142:3-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo