Nziyo 138
138
Rumbo rwaDhavhidhi.
Rumbo rwokutenda
1Ndinotenda TENZI nomwoyo wangu wose
ndinokurumbidzai vamwari vachizviona.
2Ndinokotamira ndakananga
kutemberi yenyu tsvene
ndichitenda zita renyu
nemwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu
nokuti makaisa zita renyu neshoko renyu
pamusoro pezvinhu zvose.#138:2 Zvose: ChiHebheru chinoti makaisa shoko renyu pamusoro pezita renyu rose.
3Pandakachema makandidavira,
mukandisimbaradza.
4Madzimambo apasi pose
achakurumbidzai TENZI
nokuti akanzwa mashoko omuromo wenyu
5vachaimba vachikudza
maitiro aTENZI
nokuti mbiri yaTENZI ihuru.
6Kunyange zvazvo TENZI ari kumusoro
ane hanya navanozvidukupisa,
asi vanozvitutumadza
anovazivira kurekure.
7Kunyange ndikafamba zvangu
mukati mematambudziko,
imi munochengeta upenyu hwangu,
ruoko rwenyu rwesimba
runorwisana navavengi vangu vane hasha
ruoko rwenyu rworudyi runondinunura.
8TENZI achazadzisa chinangwa chake mandiri
mwoyochena wenyu TENZI hauperi
musarase basa ramaoko enyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 138: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.