Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 136:1-26

Nziyo 136:1-26 SCLB

Tendai TENZI nokuti wakanaka mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wavamwari mwoyochena wake hauperi. Tendai TENZI wavatenzi mwoyochena wake hauperi. Iye oga anoita zvishamiso zvikuru mwoyochena wake hauperi. Iye akasika matenga nokunzwisisa kwake mwoyochena wake hauperi. Iye akawarira nyika pamvura mwoyochena wake hauperi. Iye akasika mazivheneko makuru mwoyochena wake hauperi. Zuva kuti ritonge masikati, mwoyochena wake hauperi. Mwedzi nenyenyedzi kuti zvitonge usiku mwoyochena wake hauperi. Iye akauraya matangwe eIjipiti mwoyochena wake hauperi. Akaburitsa Isiraeri mukati mavo mwoyochena wake hauperi. Noukuru hwake nesimba guru roruoko rwake mwoyochena wake hauperi. Iye akapararanisa Gungwa Dzvuku mwoyochena wake hauperi. Akapfuudza Isiraeri nepakati paro mwoyochena wake hauperi. Akakurira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku mwoyochena wake hauperi. Iye akatungamirira vanhu vake nomurenje mwoyochena wake hauperi. Iye akauraya madzimambo makuru mwoyochena wake hauperi. Akauraya madzimambo anomukurumbira mwoyochena wake hauperi. Sihoni mambo wavaAmori mwoyochena wake hauperi naOgu mambo weBhashani mwoyochena wake hauperi akapa nyika yavo senhaka mwoyochena wake hauperi nhaka kuna Isiraeri muranda wake mwoyochena wake hauperi. Ndiye akatiyeuka patakanga tasvika pakadzama mwoyochena wake hauperi. Akatinunura kuvavengi vedu mwoyochena wake hauperi. Iye anopa chokudya kuzvinhu zvose zvipenyu mwoyochena wake hauperi. Tendai Mwari wokudenga mwoyochena wake hauperi.

Verenga chikamu Nziyo 136