Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akatatanura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akarova veIjipiti pamatangwe avo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Akabudisa Isiraeri pakati pavo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Akayambusa Isiraeri nomukati maro; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akaparadza madzimambo makuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Akauraya madzimambo akakurumbira; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Sihoni mambo wavaAmori; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. NaOgi mambo weBhashani; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Akapa nyika yavo ive nhaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Iye, akatirangarira paurombo hwedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; Akatirwira pavadzivisi vedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. Vongai Mwari wokudenga; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
Verenga chikamu Mapisarema 136
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 136:1-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo