Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 123

123
Rumbo rwokukwira kumusoro.
Munamato wokukumbira kuitirwa nyasha
1Ndinotarisa kumusoro kwamuri
kudenga kwamugere pachigaro
chenyu choumambo.
2Sezvinoita varanda kutarisa
maoko avatenzi vavo
uye sezvinoita murandakadzi
kutarisa maoko avatenzikadzi vake
nesuwo tinotarisa kuna TENZI Mwari wedu
kusvikira atinzwira tsitsi.
3Tinzwireiwo tsitsi TENZI, tinzwireiwo tsitsi.
Kushorwa kwatakaitwa kwakawandisa.
4Tafinhwa isu nokushorwa navakagarika
kuzvidzwa navanhu vanozvikudza.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 123: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda