Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:81-96

Nziyo 119:81-96 SCLB

Mwoyo wangu unosuwira ruponeso rwenyu shoko renyu ndiro chitarisiro changu. Kafu Ndaneta nokutarisira chitsidzo chenyu. Ndinobvunza kuti muchandinyaradza rini, nokuti ndafanana nechigubhu chewaini chamatehwe chiri muutsi asi mitemo yenyu handina kuikanganwa? Ini muranda wenyu ndinofanira kutirira kusvikira rinhiko? Muchatonga rini vanonditambudza. Vanozvikudza vakandicherera hunza vanhu vasingatevedzi mutemo wenyu. Mitemo yenyu yose yakatendeka, vanonditambudza namanyepo, ndibatsireiwo. Vavakutosvika pakuda kundiparadza panyika asi mitemo yenyu handina kuirasa. Ndiraramiseiwo nemwoyochena wenyu kuti ndichengete mitemo yomuromo wenyu. TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu.

Verenga chikamu Nziyo 119