Nziyo 11
11
Kumuimbisi wokwaDhavhidhi.
Chivimbo chavari pachokwadi
1Ndinopotera kuna Mwari
ko ungagoti kwandiri sei
“Bhururukira kumakomo okwenyu, kunge shiri
2nokuti tarisai muone kuti
vakaipa vatotatamura uta hwavo;
vatoisa museve wavo patambo
kuti vapfure vakarurama murima.
3Kana ugaro hwaparadzwa
wakarurama angaitei?”
4TENZI ari muTemberi yake inoera
chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga
maziso ake anoona,
meso ake anoongorora vanhu.
5TENZI anoedza vakarurama navakaipa
asi anovenga wakaipa anoda utsinye.
6Anonaisa pamusoro pavakaipa
mazimbe omoto nesarufa,
mhepo inopisa ndiyo ichava
mugove womukombe wavanopiwa
7nokuti TENZI akarurama,
anoda kuita kwakarurama,
vakarurama vachaona uso hwake.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 11: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.