Pane vamwe vakaenda kugungwa nengarava vachiita ushambadzi vari mumvura zhinji. Vakaona zvinoita TENZI, zviito zvake zvinoshamisa makadzika. Akataurira dutu kuti risimuke rikasimudza masaisai egungwa. Vaimboti mudenga kata vozomboti pasi pasi vido pakadzika, vakapererwa nechivindi mujambwa ravo rakaipa. Vakadzengedzeka vakadzadzarika savanhu vakadhakwa vapererwa nopfungwa. Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo iye akavanunura kupfumvu yavo. Akanyaradza dutu, masaisai egungwa akabva apomhodzwa. Vakabva vafara nokuti vakave norunyararo uye nokuti akavaunza pokumisa ngarava pavaida. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Ngavamurumbidze mugungano ravanhu vamurumbidze musangano ravakuru vakuru. Anosandura nzizi kuva gwenga zvisipiti zvomvura zvichiva ivhu rine nyota nyika inobereka ichiva renje romunyu nechikonzero chouipi hwavagari vayo. Anosandura gwenga richiva madziva emvura nyika yakaoma ichiva zvisipiti zvemvura. Vanenzara vanotonoita musha ipapo vachitovaka guta rokugara vachitodyara minda, vachitosima migirepisi vachiwana kukohwa kwakanaka. Ivo pachavo aivakomborera vachitowanda kwazvo asingabvumiri kuti zvipfuwo zvavo zvishomeke, kana vainge vashomekeswa, vaitwa vanhu vasina maturo pamusana pokudzvinyirirwa kana kuti nenhamo kana nokusuruvara. Aizvidza machinda achiita kuti vadzengerere murenje asi anobvisa kunhamo vasina chavanacho achiwanza mhuri dzavo samatanga ezvipfuo Vakarurama vanozviona vagofara; asi vakaipa vose vachati muromo kapu nazvo. Munhu wose mungwaru ngaacherechedze zvinhu izvi vanhu ngavarangarire mwoyochena waTENZI.
Verenga chikamu Nziyo 107
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 107:23-43
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo