Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 107:1-43

Nziyo 107:1-43 SCLB

Tendai TENZI nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Vakanunurwa naTENZI ngavadaro, vaakanunura munhamo, vaakakokorodza kubva kudzinyika, kubva kumabvazuva nokumadokero, kuchamhembe nokumaodzanyemba. Vamwe vakadzungaira murenje vachishaya nzira yokuenda nayo kuguta rokundogara. Vakaita nzara nenyota vakarasa mwoyo. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavatungamirira munzira yakati tasa vakasvika muguta rokugara. Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa nokuti anogondwesa ane nyota uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka. Vamwe vaigara murima nomuzarima vari vasungwa vari munhamo vakasungwa nesimbi nokuti vakanga vapandukira mazwi aMwari vakazvidza zano roWokumusorosoro. Vakanga vasvipa mwoyo nebasa rakaomarara vakawira pasi pasina anovabatsira. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura mupfumvu yavo. Akavaburitsa murima nomuzarima akadambura misungo yavo. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa, nokuti anopwanya makonhi endarira achityora napakati zvihuri zvesimbi. Vamwe vakarwara nokuda kwokutadza kwavo, vakapinda pfumvu pamusana pouipi hwavo. Vakasema zvokudya zvose vakatenge voda kufa. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavarapa nezwi rake akavanunura pakuparadzwa. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Uye ngavapire chibayiro chokutenda vaparidze mabasa ake nenziyo dzorufaro. Pane vamwe vakaenda kugungwa nengarava vachiita ushambadzi vari mumvura zhinji. Vakaona zvinoita TENZI, zviito zvake zvinoshamisa makadzika. Akataurira dutu kuti risimuke rikasimudza masaisai egungwa. Vaimboti mudenga kata vozomboti pasi pasi vido pakadzika, vakapererwa nechivindi mujambwa ravo rakaipa. Vakadzengedzeka vakadzadzarika savanhu vakadhakwa vapererwa nopfungwa. Vakazochema kuna TENZI munhamo yavo iye akavanunura kupfumvu yavo. Akanyaradza dutu, masaisai egungwa akabva apomhodzwa. Vakabva vafara nokuti vakave norunyararo uye nokuti akavaunza pokumisa ngarava pavaida. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Ngavamurumbidze mugungano ravanhu vamurumbidze musangano ravakuru vakuru. Anosandura nzizi kuva gwenga zvisipiti zvomvura zvichiva ivhu rine nyota nyika inobereka ichiva renje romunyu nechikonzero chouipi hwavagari vayo. Anosandura gwenga richiva madziva emvura nyika yakaoma ichiva zvisipiti zvemvura. Vanenzara vanotonoita musha ipapo vachitovaka guta rokugara vachitodyara minda, vachitosima migirepisi vachiwana kukohwa kwakanaka. Ivo pachavo aivakomborera vachitowanda kwazvo asingabvumiri kuti zvipfuwo zvavo zvishomeke, kana vainge vashomekeswa, vaitwa vanhu vasina maturo pamusana pokudzvinyirirwa kana kuti nenhamo kana nokusuruvara. Aizvidza machinda achiita kuti vadzengerere murenje asi anobvisa kunhamo vasina chavanacho achiwanza mhuri dzavo samatanga ezvipfuo Vakarurama vanozviona vagofara; asi vakaipa vose vachati muromo kapu nazvo. Munhu wose mungwaru ngaacherechedze zvinhu izvi vanhu ngavarangarire mwoyochena waTENZI.

Verenga chikamu Nziyo 107