Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:1-43

Mapisarema 107:1-43 SNA2002

“Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro, Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi; Akavaunganidza panyika dzose, Kumabvazuva nokumavirira, Kumusoro nezasi. Vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga; Havana kuwana muguta mavangagara. Vakafa nenzara neyota, Mweya wavo ukaziya mukati mavo. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo. Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka. Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare, Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro; Saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamadambudziko avo. Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo. Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedyo namasuo orufu. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamadambudziko avo. Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba. Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji; Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika. Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro. Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo. Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamadambudziko avo. Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara. Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu! Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru. Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma; Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi. Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura. Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo; Vadyare minda, vasime minda yemidzambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji. Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa. Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya mwoyo. Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira. Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai. Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo. Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha.