Ko munomirireiko kure nhai TENZI? Ko munozvivanzireiko panguva yenhamo? Munhu wakaipa anototi sika sika zvake kudzingirira murombo. Itai kuti vabatwe nemisungo yavakazviteera nokuti munhu akaipa anotozvirovera dundundu havi dzake. Munhu ana makaro anoshonha nokuramba TENZI. Munhu wakaipa, nokuzvikudza kwake, muna zvose zvaanofunga haana basa naTENZI, anoti, “Hakuna Mwari.” Zvose zvaanoita zvinobudirira. Matongero enyu ari kure naye; ari kokoko kumusoro kure naye; kana zviri zvavavengi vake, anovasinamisira uso. Anozviti nechomumwoyo, handimbotsukunyuki, pazvizvarwa zvose hapana chinondiwana. Kurengerera rushambwa, nounyengedzi nokutyisidzira zvinogara zviri pamuromo pake. Rurimi rwake nderwomusikanzwa nouipi. Anohwandira mumamisha achiuraya vasina mhosva muchivande; maziso ake anonyatsotarisa vanenge vawiramo; anonyangira muchivande seshumba; anonyangira kuti abate varombo; anobata murombo kana amukwevera mumambure ake. Vanenge vawira, vanopwanyiwa vachitoti mvuchata pasi pamusana pesimba rake. Anofunga kuti Mwari anokanganwa; anozarira maziso ake; haambondioni.
Verenga chikamu Nziyo 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 10:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo