Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 5:7-14

Tsumo 5:7-14 SCLB

Zvino vanangu ndinzwei musasiane namazwi omuromo wangu tambira kure naye usambosvika zvako pedyo nomusuo wemba yake. Ungadaro ukapa rukudzo rwako kunavamwe uye makore ako kuna vasina tsitsi vamwewo vanhu vangadaro vakutorera upfumi hwako zvawakashandira zvikaenda kumutorwa. Pakupedzisisa poupenyu hwako unozowuwura nyama yako nomuviri zvadyiwa zvino wavakuti, “Chandakarambirawo zvangu kudzorwa chiiko, mwoyo wangu uchishora kutsiurwa. Ndairamba kuteerera zvaitaurwa navarairidzi vangu kana kurerekera nzeve yangu kuvadzidzisi vangu. Ndakanga ndasvika pokutoparara zvachose mukati megungano rakaungana.”

Verenga chikamu Tsumo 5