nokuti ndichakupai mirao yakanaka, musakande pasi zvandinokudzidzisai. Zvandaiva mukomana ndiina baba vangu, ndichiri mudiki, ndichingove ndini mwana mumwechete waamai vangu vakandidzidzisa vachiti, “Chengeta nomwoyo wose zvandinokutaurira chengeta mitemo yangu kuti urarame. Iva noungwaru uone zvinhu nemazvo usakanganwe, usatsauke pamashoko omuromo wangu. Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza. Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka. Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande. Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi. Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi. Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako. Usafambe namakwara avaipi kana kutevera nzira dzavakaipa. Siana nayo, usadimure nekwairi. Tsaukana nayo uinyenyeredze. Ndinodaro nokuti havakwanisi kuvata kana vasina kuita zvakaipa, havawane hope, kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu, nokuti uipi ndicho chokudya chavo uye utsinye ndiyo waini yavanonwa. Gwara ravarurami rakaita samambakwedza anoramba achingochena kusvikira ava masikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita sezarima havambozivi chinogumbura. Mwanangu teerera mashoko angu rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Ngazvirege kupunyuka ziso rako zvichengete mumwoyo mako nokuti upenyu kuna anozviwana uye zvinorapa nyama yake yose. Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu. Bvisa mauri muromo wenhema uye pamuromo pako kutaura zvisizvo. Kutarisa kwako ngakuti twasa, yeva zviri pamberi pako. Tanga wafunga nzira yauchafamba nayo. Nzira dzako dzigove muchechetere
Verenga chikamu Tsumo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 4:2-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo