Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 10:17-32

Tsumo 10:17-32 SCLB

Anochengeta zvidzidziso ari munzira inoenda kuupenyu asi anoramba kutsiurwa anorasika. Munhu anoviga ruvengo munyepi munhu anoreva mumwe ibenzi. Munhu anowanza twokutaura kukanganisa hakushaike asi anozvibata pakutaura akachenjera. Rurimi rwomururami isirivha yakanakisa asi pfungwa dzomuipi hadzina maturo. Miromo yomururami inogutsa vakawanda asi mapenzi anofa pamusana pokushaya ruzivo. Chikomborero chaTenzi chinopfumisa, hapana kushanda kunohupamhidzira. Kune benzi kuita zvakaipa unotova mutambo asi kumunhu anonzwisisa kuita zvinoungwaru ndozvinomufadza. Zvinozezwa nowakaipa ndizvo zvinomuwira asi zvinosuwirwa nomururami anozvipihwa. Kana chamupupuri chikapfuura muipi panosara pasisina asi mururami akadzika midzi nokusingaperi. Zvinongoita vhiniga kumazino uye utsi kumaziso ndozvakaita tsimbe kune anomutuma. Kutya Mwari kunorebesa upenyu asi makore omuipi achapfupikiswa. Chitarisiro chomururami rufaro asi zvinotarisirwa nowakaipa zvinongoti mwarara. Tenzi inhare kumunhu wemaitiro akarurama asi anoparadza vaiti vezvakaipa. Vakarurama havatipurwi asi vaipi munyika havamugari. Muromo womururami unounza ungwaru asi rurimi rwouipi ruchadimurwa. Miromo yomururami inoziva zvinovaka asi muromo wavaipi zvounyengedzi.

Verenga chikamu Tsumo 10