Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 1:20-33

Tsumo 1:20-33 SCLB

Ungwaru hunodanidzira mumugwagwa hunoshevedzera pamisika. Hunodaidzira zvikuru pamusoro petsvingo hunotaura mashoko ahwo huri kumusuo wedare reguta. Nhaimi vasinganzwisisi muchasvika rinhi musinganzwisisi? Imi vashori kusvikira rinhiko muchifarira kunyomba uye muri mapenzi asingadi ruzivo? Teererai zvandinokutsiurai ini ndichazvikwengura ipfungwa dzangu kwamuri ndikuzivisei mashoko angu ndinodaro nokuti ndakadaidzira asi makaramba kudavira. Ndakatambanudza ruoko asi hapana akambotirimuka. Hauna kumboita hanya nemazano angu makaramba kuti ndikutsiurei. Kana neniwo ndichakusekai mupfumvu yenyu ndikusveveredzei kana mabatwa nokutya, kana kutya kwakuvhungai sedutu pfumvu yakuwirai sechamupupuri kuora mwoyo nokurwadziwa kwamonerana nemi. Vachandidaidza asi ini handipinduri vachanditsvagisisa asi havandiwani. Nokuti vakavenga ruzivo uye havana kusarudza kutya Tenzi. Havana kuita hanya nemazano angu vakashora kuvatsiura kwangu. Ndizvozvo vachadya michero yemaitiro avo vagoguta netwavanonanga, nokuti vasinganzwisisi vanouraiwa nokutsauka kwavo kushaya hanya kwamapenzi kunoauraya. Asi anonditeerera anogarika achava pamutambaratede wokusambotya chinhu chakaipa.

Verenga chikamu Tsumo 1