Vafiripi Zviri mutsamba yokuvaFiripi
Zviri mutsamba yokuvaFiripi
Tsamba kuvaFiripi, imwe yetsamba dzinonzi Pauro, akanyora ari muusungwa kuRoma, asi izere norufaro norudo. Zvorufaro, zvinogona kunzwisisika zvazvo, nokuti tsamba iyi akainyora abva mukutambira rubatsiro rwakabva kuvanhu vokuFiripi. Akainyora achida kuvatenda chipo chavo. Asi izvi zvakamuwanisawo mukana wokuvanyorera achivadzidzisa kukosha kwakaita kubatana kwavo ivo pachavo uye kukosha kokugara upenyu hokunge vakabatana naKristu Jesu. Anovakurudzira kuva nemwoyo mumwechete waiva naKristu wokuzvirereka nokuzvidukupisa kwazvo kwaakaita achiuya kuzova munhu sesu (2:5–11). Anovayambirawo kuti varege kupinda muuranda hwezvisungo zvomutemo.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuvaFiripi
Kusuma (1:1–2)
Munamato nokutenda kwaPauro (1:3–11)
Upenyu hwangu ndiJesu (1:12–30)
Kuzvidukupisa uye ukuru hwaJesu (2:1–11)
Unotoshandira ruponeso rwako (2:12–18)
ZvaTimoti naEpafurodhitosi (2:19—3:1)
Kuponeswa komuteveri waKristu (3:2–11)
Kumhanya wakananga pakatarwa (3:12–21)
Kugara zvakanaka somuKristu (4:1–9)
Ndinotenda nechipo chenyu (4:10–20)
Kuonekana (4:21–23)
Zvasarudzwa nguva ino
Vafiripi Zviri mutsamba yokuvaFiripi: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.