Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vafiripi 2:19-30

Vafiripi 2:19-30 SCLB

Kana Tenzi Jesu ari mazviri, ndinotarisira kutuma Timoti kwamuri kuti ndifaranutswe kunzwa nezvenyu. Handina mumwe ane mwoyo wakaita sowake, ane hanya chaidzo noupenyu hwenyu. Vose vari kungotsvaka zvavo bedzi, kwete zvaJesu Kristu. Asi hunhu hwaTimoti munohuziva kuti akashanda neni pane zveShoko Rakanaka somwana nababa. Naizvozvo ndinotarisira kumutumira kana ndangoona kuti zviri kundifambira sei. Ndinovimba naTenzi kuti iyeni pachangu ndichauya nokukurumidza. Ndinofunga kuti ndinofanira kutumira Epafurodhitosi, hama yangu nomushandipamwe neni, iye musoja pamwe neni. Ndiyewo mutumwa wenyu, kwandiri uye munhu anondibatsira mune zvandinoshaya. Iye akanga achisuwira kwazvo kukuonai mose. Zvakamurwadza kwazvo kuti imi makanzwa kuti iye airwara. Ichokwadiwo kuti airwara, zvokutoda kufa asi Mwari akamuitira tsitsi, kwete iye chete asi kana iniwo kuti ndirege kuva nenhamo pamusoro peimwe nhamo. Nezvo ndinodisisa kwazvo kumutumira kuti mufare kwazvo kumuonazve uyewo kuti ndinge ndinoti gadzanei mwoyo. Nezvo mugamuchirei nomufaro muna Tenzi. Remekedzai vanhu vakadai nokuti akaisa upenyu rwake parumano zvokutoda kufira basa raKristu kuti andipe rubatsiro rwamakanga musingakwanisi kundipa.

Verenga chikamu Vafiripi 2