Ndini Pauro naTimoti varanda vaKristu Jesu ndinokunyorerai imi mose vatsvene muna Kristu Jesu vari kuFiripi namabhishopi namadhikoni. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha vakupei rugare. Ndinotenda Mwari wangu pose pandinokufungai uye nguva dzose pose pandinokunamatirai mose, ndichikunamatirai nomufaro ndichitenda Mwari norubatsiro rwenyu muShoko Rakanaka, kubvira pazuva rokutanga kusvikira pari nhasi. Ndine chokwadi chokuti iye akatangisa basa iri rakanaka mamuri, acharipedzisa pazuva raKristu Jesu. Munogara muri mumwoyo mangu mose zvenyu. Naizvozvo zviri pamwerowo kuti ndifunge kudai nezvenyu nokuti tinogoverana nyasha muusungwa hwangu uye mukurwira kusimbisa Shoko Rakanaka. Mwari angatondipupurirawo kuti ndinokusuwai sei mose ndiine rudo runa Kristu Jesu. Chandinokunamatirai ndechokuti dai rudo rwenyu rwangoramba rwuchifashukira kuwanda muine ruzivo nechipo chokugona kuona zvinhu nemazvo kuti mukwanise kusarudza chakanakisisa uye kuti muve vatsvene vasina chinoshoreka pamuri pazuva raKristu, makazadzwa nemichero yoururami inouya nokuna Jesu Kristu zvichipa mbiri norukudzo kuna Mwari. Hama dzangu ndingade kuti muzive kuti zvakaitika kwandiri zvakatobatsira kuenderera mberi kweShoko Rakanaka zvokuti zvavakutozivikanwa nevokuchengetedza mumuzinda navamwe vose kuti kuva mujeri kwangu, pamusana paKristu. Kuva mujeri kwangu kwakapa kuti ruzhinji rwevehama ruve nechivindi muna Tenzi uye vatova vanhu vasingambokatari zvavo kutaura Shoko raMwari. Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu pamusana peshanje uye zvamakakatanwa asi vamwe vanozviita nemwoyo wakanaka. Ava vanozviita pamusana perudo vachiziva kuti ini ndiripo kurwira Shoko Rakanaka. Vamwe ava vanoparidza Kristu nomwoyo wokungozvifunga ivo pachavo kwete nokutendeka, asi vachida kundirwadzisa ndiri mujeri. Hazvinei hazvo. Chiripo chete ndechokuti Kristu anoparidzwa nenzira dzakawanda, dzingave nzira kwadzo kana dzisina kunaka asi Kristu ari kuparidzwa. Izvozvo ndizvo zvinondifadza zvikuru. Aiwa! Zvinofadza kwazvo nokuti ndinoziva kuti neminamato yenyu uye norubatsiro rwaMweya waJesu Kristu ndichanunurwa. Chido changu nechitarisiro changu ndechokuti ndirege kumbofa ndakanyara asi ndive nechivindi chizere zvino uye samazuva ose Kristu acharumbidzwa mumuviri wangu noupenyu hwangu kana norufu rwangu nokuti kwandiri kurarama kwangu ndiKristu; kufa kupfuma. Dai kuri kuti ndinoramba ndiri mupenyu ndingatoita basa rine chimuko. Zvino chokuti ndisarudze ipapa ndachishaya. Ndakamanikwa pakati pazvo. Chido changu ndechokuti ndibve ndiende kuti ndindova naKristu nokuti ndizvo zvinotova nani kwazvo. Asiwo kuva mupenyu kunotodikanwa zvikuru pamusana penyu. Ndine chokwadi nezvizvi zvokuti ndichange ndiripo ndigoenderera mberi ndinemi mose kuti mukwanise kufambira mberi muine rufaro muchitendero chenyu kuti muwane chikonzero chokupa mbiri kuna Kristu Jesu pamusana pangu nokuti ndiri kuuyazve kwamuri. Chete, mugariro wenyu ngaufambirane neShoko raKristu, kuitira kuti kunyange ndikauya ndichizokuonai kana kuti ndisiko zvangu ndinzwe kuti makamira zvakasimba muine mwoyo nepfungwa imwecheteyo muchiita chirwirangwe pachitendero cheShoko Rakanaka. Mune chii nechii zvacho musatye mhandu dzenyu. Ichi chinobva chava chiratidzo chokuparadzwa kwavo asi chiri chiratidzo chokununurwa kwenyu chinobva kuna Mwari. Chikonzero ndechokuti pamusana paKristu makapiwa, kwete kuti mungodavira chete maari, asi kuti mumutambudzikirewo. Tiri muhondo imwecheteyo yamakandiona ndichirwa uye yamunonzwa kuti ndichiri kungorwisa.
Verenga chikamu Vafiripi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vafiripi 1:1-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo