Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 9

9
Pasika yechipiri
1Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai pamwedzi wokutanga wegore rechipiri rokubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti achiti, 2“VaIsiraeri ngavachengete zuva guru rePasika panguva yayo yakatemwa. 3Richengetei pazuva regumi nechina romwedzi uno, kubvira zuva rodoka muchitevedza mirao nezvirongwa zvaro zvose.” 4Naizvozvo Mosesi akandoudza vaIsiraeri kuti vachengete zuva guru rePasika. 5VaIsiraeri vakachengeta zuva guru rePasika pamwedzi wechiposhi murenje reSinai kubvira zuva rodoka pazuva regumi nechina romwedzi iwoyo. Vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi.
6Asi kwakava navamwe varume vakanga van'ora nokuti vakanga vabata chitunha. Varume ivavo vakanga vasisakwanisi kuchengeta Pasika pazuva iroro. Vakaenda kuna Mosesi naAroni 7vakandoti, “Isu takan'ora nokuti takabata chitunha. Asi tinorambidzirweiko kupira Tenzi mipiro panguva yakatemwa pamwechete navamwe vedu vaIsiraeri.”
8Mosesi ndokuti, “Chimbomirai kusvikira ndanzwa zvandichapiwa naTenzi.”
9Tenzi akataurira Mosesi achiti, 10“Taurira vaIsiraeri uchiti ani naani wenyu kana mumwe wechizvarwa chenyu anenge abata chitunha chikamun'oresa, nyangwe anenge ari kure, ari parwendo, kana achida kuchengeta Pasika yaTenzi, 11anofanira kuzoichengeta. Ngavaichengete mumwedzi wechipiri pazuva regumi nechina zuva rodoka, vaidye pamwechete nemiriwo inovava nechingwa chisina mbiriso, 12havafanire kusiya kana chii zvacho chayo kusvikira mangwana. Hapana pfupa rechibayiro rayo rinofanira kutyorwa. Ngavaichengete vachitevedza mirao yayo yose. 13Asi ani naani anenge asina kun'ora anenge asiri parwendo anenge arega kuchengeta Pasika atozvichekanisa ukama novokwake nokuti haana kundipa mupiro wake panguva yakatemwa, acharangirwa chitadzo chake.
14“Kana mutorwa wamugere naye akada kuchengeta zuva guru rePasika, ngaachengetewo mirao nezvirongwa zvayo zvose. Murao iwoyo ngauchengetwe nemunhu wose, muIsiraeri kana mutorwa.”
VaIsiraeri vanotungamirirwa neGore masikati, usiku nomoto
(Kub 40:34–38)
15Pazuva rakadzikwa tendhe rinoera gore rakauya rikafukidza tendhe rouchapupu. Usiku gore raitarisika somoto kusvikira kwaedza. 16Saka nguva dzose tendhe iroro rainge rakafukidzwa negore masikati, usiku nechainge moto. 17Paingosimuka gore iroro patendhe, vaIsiraeri vaibva vatama vachindodzika matendhe avo paraindomirira. 18Kutama kwavaIsiraeri panzvimbo nokudzika matendhe kwavo pane imwe nzvimbo kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi. Kwaiti gore rikaramba rakafukidza tendhe rinoera, vaIsiraeri vairambawo vakadzika matendhe avo ipapo. 19Kunyange gore parairamba rakafukidza tendhe rinoera kwenguva ndefu vaiteerera Tenzi vachiramba varipo. 20Dzimwe nguva gore raifukidza tendhe rinoera kwamazuva mashoma; vaIsiraeri vaitama kana kuramba varipo maererano neshoko rainge rabva kuna Tenzi. 21Dzimwe nguva gore raingorifukidza kubvira manheru kusvikira mangwanani. Paisimuka gore mangwanani vaibva vasimudzirao rwendo rwavo, kana rainge raramba riripo masikati nousiku; parainge razosimuka, ndopavaibva vasimudzirawo rwendo rwavo. 22Kana dai kwaipera mazuva maviri, kana mwedzi, kana gore kana nguva ndefu gore rakafukidza tendhe rinoera, vaIsiraeri vairamba vari pamatendhe avo, vasingasimudzire rwendo rwavo. Asi paraisimuka vaibva vasimudzira rwendo rwavo. 23Kudzika matendhe kwavo nokutama kwavo, kwaitoitwa kana kwabva shoko kuna Tenzi vachiteerera zvainge zvatemwa naTenzi sokutaurirwa kwainge kwaitwa Mosesi naTenzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Kuverengwa 9: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda