Kuverengwa 7
7
Mipiro nezvipo zvavatungamiriri
1Mosesi akati apedza kumisa tendhe rinoera akarizodza akariturira kuna Mwari pamwechete nezvose zvomo akazodza akaturirawo atari nemidziyo yayo. 2Vatungamiriri vavaIsiraeri navatungamiriri vavo vedzimhuri nevemadzinza vaitungamirira kuverengwa kwavanhu, 3vakauya nezvipo zvavo kuna Tenzi. Zvaiva ngoro nhanhatu dzakafukidzwa uyewo nzombe gumi nembiri. Vatungamiriri vaviri vaiunza ngoro imwechete, mumwe nomumwe wavo achiunza nzombe imwechete. Vakazviunza kutendhe rinoera 4Tenzi akataurira Mosesi achiti, 5“Gamuchira izvi kwavari zvishandiswe pabasa romutendhe rinoera. Upe zvinhu izvozvo mumwe nomumwe wavaRevhi maererano nebasa raanoita.” 6Naizvozvo Mosesi akatora ngoro dziya nenzombe akapa vaRevhi. 7Akapa vemhuri yokwaGerishoni ngoro mbiri, nenzombe ina maererano nebasa ravaiita. 8Akapa vemhuri yokwaMerari ngoro ina nenzombe tsere maererano nebasa ravaiita vachitungamirirwa naItamaru mwanakomana womupristi Aroni. 9Asi hapana chaakapa vemhuri yokwaKohati nokuti ndivo vaiva nebasa rezvinhu zvinoera zvaifanira kutakurwa pamafudzi.
10Vatungamiriri vakauyawo nezvipo zvokupira nazvo atari kuna Mwari pazuva rayakazodzwa, vakauya nazvo kuatari. 11Tenzi akataurira Mosesi kuti vanhu ivavo, ngavauye kuzopira zvipo zvavo zvokuturira atari kuna Mwari vachiita mumwechete, mumwechete pazuva. 12Akapira mupiro wake zuva rokutanga ndiNahishoni mwanakomana waAminadhabhu wedzinza rokwaJudha. 13Mupiro wake waiva neizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu, kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 14kwoti dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi rizere rusenzi; 15kwotiwo handira ichiri duku, imwechete, nehondohwe imwechete yomupiro wokupisa; 16uye gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 17kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waNahishoni mwanakomana wavaAminadhabhu.
18Pazuva rechipiri racho, Nataneri mwanakomana waZuaru, mutungamiriri wevokwaIsakari, akapirawo mupiro. 19Mupiro wake waakapira waiva wezvizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu, maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta omupiro wembesanwa; 20kwoti dhishi rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi; 21kwotiwo handira ichiri duku imwechete, nehondohwe imwechete, nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 22uye gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 23kwozoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu, dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waNataneri mwanakomana wavaZuaru.
24Pazuva retatu racho, akauya ndiEriabhu mwanakomana waHeroni, aiva mutungamiriri wavanhu govero rokwaZebhuruni. 25Mupiro wakewo waiva weizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu, kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 26kwouyawo dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi, 27kwoti handira ichiri duku imwechete, nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 28kukati gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo, 29kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waEriabhu mwanakomana wavaHeroni.
30Pazuva rechina racho, kwakauyawo Erizuru mwanakomana wavaShedheuru, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaRubheni. 31Mupiro wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwoti ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta, hwomupiro wembesanwa, 32kukati dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi, 33kwotiwo handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete, ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 34kwotizve gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo 35kuchizouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu, dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro waErizuru mwanakomana waShedheuru.
36Pazuva rechishanu racho, kwakauyawo Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaSimeoni. 37Mupiro wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha, yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; uye ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 38kwouya dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu rina magiramu gumi, rizere rusenzi; 39uyewo handira ichiri duku, imwechete nehondohwe imwechete, nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 40uyezve gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 41kukati zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro waSherumieri mwanakomana waZurishadhai.
42Pazuva rechitanhatu racho, kwakauya Eriasafu mwanakomana waDheueri, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaGadhi. 43Mupirowo wake waiva weizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 44kwoti dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; 45kukati handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 46kukachiti gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 47kukatiwo zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waEriasafu mwanakomana waDheueri.
48Pazuva rechinomwe racho, kwakauyawo Erishama mwanakomana waAmihudhi, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaEfuraimu. 49Mupiro wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta omupiro wembesanwa; 50kwouyazve dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; 51kwoti handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 52kwotiwo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 53kukati zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyuwo ndiwo mupiro waErishama mwanakomana waAmihudhi.
54Pazuva rechisere racho, kwakauya Gamarieri mwanakomana waPedhahizuru, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaManase. 55Mupiro wakewo waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 56kukati dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; 57kukachiti handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana honho imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 58kuchiti gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 59kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro waGamarieri mwanakomana waPedhahizuru.
60Pazuva rechipfumbamwe racho, kwakauya Abhidhani mwanakomana waGidheoni, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaBhenjamini. 61Mupiro wake waiva weizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; uye ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 62uyewo dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi rizere rusenzi; 63uyezve handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 64kwouya gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 65kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
66Pazuva rechigumi racho, kwakauyawo Ahiezero mwanakomana wavaAmishadhai, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaDhani. 67Mupiro wake waiva wezvizviwo zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu namagiramu gumi maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 68uyewo dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi rizere rusenzi; 69uyezve handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 70kwouyawo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 71kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAhiezero mwanakomana waAmishadhai.
72Pazuva rechigumi nerimwe, kwakauya Pagieri mwanakomana waOkirani aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaAsheru. 73Mupiro wakewo waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 74kukati dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; 75kuchitiwo handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 76kuchiti gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 77kuchizoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waPagieri mwanakomana waOkirani.
78Pazuva rechigumi namaviri racho, kwakauya Ahira mwanakomana waEnani, aiva mutungamiriri wevedzinza rokwaNafutari. 79Mupirowo wake waiva wezvizvi zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa; 80kwoti dhishi rimwechete rendarama rairema zana ramagiramu namagiramu gumi, rizere rusenzi; 81kwouya handira ichiri duku imwechete nehondohwe imwechete nehwayana hono imwechete ine gore rimwechete zvomupiro wokupisa; 82kwotiwo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo; 83kwozouya zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waAhira mwanakomana waEnani.
84Uyu ndiwo mupiro wakaunzwa wokuteketerera atari kuna Mwari pazuva rayakazodzwa wakabviswa navakuru vakuru vavaIsiraeri. Kwakaunzwa izvi zvinoti mbenge dzesirivha gumi nembiri nendiro dzesirivha gumi nembiri; 85mbenge imwe neimwe ichirema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; ndirowo imwe neimwe ichirema mazana masere amagiramu. Naizvozvo pamwechete, midziyo yose yesirivha yakaita mwero wokurema unosvika makumi maviri amakirogiramu ana makirogiramu manomwe namagiramu makumi matanhatu, maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; 86kwouya madhishi endarama gumi namaviri aye azere rusenzi, dhishi rimwechete rairema zana ramagiramu namagiramu gumi; pamwechete, madhishi ose endarama akaita mwero wokurema unosvika kirogiramu rimwechete rina makumi matatu amagiramu namagiramu maviri; 87kwoti zvipfuwo zvose zvechibayiro chomupiro wokupisa zvinoti: handira gumi nembiri nehondohwe gumi nembiri nehwayana gumi nembiri hono dzine gore rimwechete pamwechete noupfu hwadzo hwomupiro wembesanwa; kwotiwo makotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo; 88kwochiti zvipfuwo zvose pamwechete zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvakaita: handira makumi maviri ane ina namakumi matanhatu ehondohwe namakotora makumi matanhatu namakumi matanhatuwo ehwayana hono dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokuteketera atari kuna Mwari wakaunzwa iyo yazodzwa.
89Mosesi paakapinda mutendhe rokusanganira kundotaura naTenzi, akanzwa izwi raitaura kwaari richibva pahwidibiro yakanga yakakwidibira bhokisi rechitenderano, nechapakati pamakerubhu. Izwi iri rakataura kwaari iye.
Zvasarudzwa nguva ino
Kuverengwa 7: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.