Kuverengwa 30
30
Mirao inotaura nezvemhiko
1Mosesi akataurira vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvandakarayirwa naTenzi. 2Kana munhurume akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu, ngaaite zvaakapika, asambozviregedzi, ngaaite zvose zvaakataura nomuromo wake. 3Kana munhukadzi, achiri kugara mumusha wababa vake, akatsidza kuitira Tenzi chinhu, kana kupika mhiko yokuregedza kuita chimwe chinhu, 4kana baba vake vakanzwa chitsidzo kana mhiko yake vasina chavanotaura nazvo, zvose zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite. 5Asi kana baba vake vakazvinzwa, vakamurambidza zuva rakarero, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera nokuti baba vake havana kuzvibvumira. 6Kana mukadzi uya akaroorwa, achine mhiko kana chitsidzo chaakataura asina kumbonyatsofunga, murume wake akazvinzwa asi akasava nechaakataura zuva rakarero, zvaakatsidza nezvaakapika ngaazviite. 7Asi kana murume wake akazvinzwa akarega kumutsiura zuva iroro raakazvinzwa mhiko yake nezvaakatsidza kuzvisunga nazvo zvicharamba zviripo. 8Asi kana murume wake akazvinzwa achibva amurambidza zuva rakarero, zvose zvaakapika nezvaakataura, asina kumbonyatsofunga hazvisisina maturo. Tenzi anobva amuregerera.
9“Asi chitsidzo nemhiko yechirikadzi kana yomukadzi akarambana nomurume wake chose chaanozvisunga nacho chichamusunga. 10Ngatiti mukadzi akatsidza achiri mumba momurume wake kana kupika mhiko 11murume wake akazvinzwa, asi akaramba akanyarara asingamutsiure zvose zvaakatsidza nezvaakapika, zvinomusunga. 12Asi kana murume wake akazviramba zuva rakarero raanozvinzwa, zvose zvaakatsidza kana zvaakapika achitaura nomuromo nezvemhiko dzake nezvitsidzo zvake, murume wake akazvishaisa basa. Tenzi anomuregerera. 13Murume wake ane mvumo yokumubvumidza kana yokumurambidza kuita zvose zvaanotsidza kana zvaanopika. 14Asi kana murume wake akanyarara asina chaanotaura kwaari nazvo zuva nezuva, zvinoreva kuti anomubvumidza kuita zvose zvaanotsidza nezvose zvaanopika. Murume wake anenge abvumirana nazvo nokuti anenge asina kutaurira mukadzi wake zuva raanozvinzwa. 15Asi kana murume akazvinzwa, kukapera mazuva asina kumurambidza, mhosva yanga iri yomukadzi iyeyo ichava yomurume wake.”
16Iyi ndiyo mirao yakarayirwa Mosesi naTenzi yemhiko dzinoitwa nomunhukadzi muduku achiri mumba mababa vake nedzinoitwa nomukadzi ane murume wake.
Zvasarudzwa nguva ino
Kuverengwa 30: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.