Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu. Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?” Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.” Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.” Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara. Mutumwa waTenzi ndokuti, “Waroverei dhongi rako katatu kose? Chinzwa, ini ndauya kuzokudzivisa nokuti zvauri kufambira zvakaipa.” Asi dhongi randiona rikandinyenyeredza katatu kose. Dai risina kundinyenyeredza ndingadai ndatokuuraya iro ndarirega riri benyu. Bhiriamu ndokupindura mutumwa waTenzi achiti, “Inga ndaita chitadzo. Ndanga ndisingazivi kuti imi manga mumire munzira muchindidzivisa. Zvino kana muchiona zvakaipa, ndodzokera zvangu.” Mutumwa waTenzi ndokupindura Bhiriamu achiti, “Enda zvako navo. Asi chandinenge ndakuudza ndicho chete chauchataura.” Naizvozvo Bhiriamu akaenda zvake namachinda aya aBharaki. Bharaki zvaakanzwa kuti Bhiriamu ari kuuya, akaenda kundomuchingura kuguta reMoabhu riri kuna Arinoni rwizi ruri pamuganhu wenyika yake. Bharaki akati kuna Bhiriamu, “Ko inga ndakakutumirai nhume kuzokudaidzai wani, makaregererei kuuya? Chokwadi handikwanisi here ini kukupai mubairo?” Bhiriamu akati kuna Bharaki, “Hezvinoka ndauya. Asi ndingataure here chero chandingangoda kutaura? Shoko randinenge ndapiwa naMwari ndiro chete randichataura.” Bhiriamu ndokuenda naBharaki vakasvika kuKiriatihuzoti. Bharaki akapira mombe nehwai akabvisawo chokupa Bhiriamu namachinda aakanga anawo. Ramangwana racho Bharaki akatora Bhiriamu akakwira naye kunzvimbo yakakwirira yeBhamotibhaari, ari ipapo aikwanisa kuona chikamu chavaIsiraeri.
Verenga chikamu Kuverengwa 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 22:21-41
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo