VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto. Vanhu ndokubva vachema kuna Mosesi. Mosesi akanamata kuna Tenzi moto ukadzima. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakanzi Tabhera nokuti moto waTenzi wakanganduma pakati pavo. VaIsiraeri pavaifamba rwendo rwavo vaivao mvongamutititi yavanhu. Vanhu ivavo vaikara nyama zvikuru. VaIsiraeri ndokunyunyutawo vachiti, “Dai tangowanawo zvedu nyama! Tinorangarira hove dzamahara dzataidya kuIjipiti, namagaka namanwiwa namarikisi nehanyanisi negariki. Zvino miviri yedu yarukutika. Hapana chimwe chokudya kana chii zvacho kunze kwemana iyoyi yatangotarisana nayo.” Mana yakanga yakafanana netsanga dzamapfunde, yakaita sepfuta kuchenuruka. Vanhu vaienda muruvanze vachindonongera mana. Vaiikuya, kana kuidzvura, voifashaidza mupoto vozoibika chingwa chainaka sechingwa chakabikwa chakakanywa namafuta. Dova paraidonha usiku muruvanze rwamatendhe mana yaidonhawo pamwechete naro. Mosesi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachinyunyuta vamire mutumapoka pamisuo yematendhe avo. Tenzi akavirukira vanhu zvikuru nehasha. Mosesi akasuwa zvikuru. Mosesi akati, “Nhai Tenzi! Imhaka yeiko makandiitira zvakaipa zvakadai? Seiko musingandinzwire tsitsi? Ko zvamatondipazve basa rokutungamirira vanhu vose ava? Ko ndini ndakavabereka kana kuvasika here zvamunoti ndivarere ndichivatakura mumaoko angu somureri anotakura mwana mucheche ndichienda navo kunyika yamakatsidzira madzibaba avo? Ko nyama yandingape vanhu vose ava ndingaiwane kupiko, zvavari kuchema vachiti tipe nyama tidye? Ini handichagoni kuita basa rokutungamirira vanhu ava ndiri ndoga, zvandiremera. Kana mukaramba muchiti ndidaro, ndinzwireiwo tsitsi mundiuraye zvenyu kuti ndirege kuramba ndakatsunga imi muchindirwadzisa.”
Verenga chikamu Kuverengwa 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 11:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo