VaRevhi ava vanoti:
Jeshua naKadhimieri
naBhani naHashabhuneya
naSherebhiya naHodhiya naShebhaniya
naPetahiya vakati,
“Simukai murumbidze Tenzi, Mwari wenyu.
Murumbidzei narini narini wose
kusvikira nokusingaperi.
Ngarirumbidzwe zita renyu
rina mukurumbira
Riri pamusorosoro chaipoipo
pazvose zvinokudzwa kana kurumbidzwa.”
“Imi moga ndimi Tenzi.
Ndimi makasika matenga
nedenga rokumatengatenga
negurusvusvu nezvinhu zvaro,
nyika nezvose zviri mairi
makungwa nezvose zviri maari
Imi ndimi munozvichengeta,
gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai.
“Imi Tenzi Mwari
ndimi makasarudza Abhuramu,
mukamuburitsa kuUru yevechiKaradhea
mukazoti zita rake rinzi Abhurahamu.
Pamakaonawo kuti iye,
munhu ane mwoyo uri pachokwadi kwamuri
makaita chitenderano naye
chokupa vana vake nyika yavanhu
vechiKanani navaHiti navaAmori
navaPerizi navachiJebhusi navaGirigashi.
Makazadzisa chitsidzo chenyu
pamusana pokuti imi makarurama.
“Makaona nhamo yakaona madzibaba edu
muIjipiti mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku.
Makaitira Farao zviratidzo nezvishamiso
pamwechete namakurukota ake navanhu vomunyika
make nokuti imi maizviziva kuti
vaiitira madzibaba edu zenze rokuzvikudza
mukabva mazviwanira zita kusvikira pari nhasi.
Gungwa makariti nepakati tsemu vakatarisa
vakapfuura vachitotsika zvavo pasi pakaoma
pakati paro gungwa.
Makakanda vaivaronda muhwenje hwemvura
sedombo mumvura zhinji ine simba.
Masikati makavatungamirira negore
usiku mukavatungamirira neshongwe yemoto
yokuvavhenekera nzira yokufamba nayo.
Makaburuka imi pagomo reSinai
mukataura navo imi muri kudenga.
Makavapa zvirevo zvakarurama
nemitemo iri pachokwadi.
Makavapawo zvirongwa nemitemo yakanaka.
Makavadzidzisa nezveSabata renyu dzvene,
makavapa mirao nezvirongwa nemitemo
nokuna Mosesi muranda wenyu.
“Panzara yavo
makavapa chingwa chokudya
Kupodza nyota yavo,
makavapfachurira mvura ichibva padombo.
Makavati vapinde kundotora nyika iya,
nyika yamakatsidzira kuvapa.
“Asi ivo namadzibaba edu vakazvitutumadza,
Vakaomesa musoro, mirao yenyu vakaramba kuchengeta.
Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu,
zvishamiso zviya zvamakavaitira.
Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri
wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda.
Asi imi muri Mwari anoregerera,
Mwari ane nyasha netsitsi
Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru
Hamuna kuda kuvafuratira.
Kunyange pavakazviumbira chimhuru
choutare hwokunyungurusa
Vakati, ‘Uyu ndiye Mwari wenyu
Akakuburitsai kuIjipiti.’
Vakakushonhai zvikuru.
Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda
hamuna kuvafuratira murenje.
Shongwe yegore yaivatungamirira
masikati haina kuvasiya
Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi
nzira yavaifanira kufamba nayo
usiku haina kuvasiya.
Makavapa Mweya wenyu wakanaka wokuvadzidzisa,
Mana yenyu yokuti vadye hamuna kuvanyima
Makavapawo mvura yokupodza nyota yavo.
Kwamakore makumi mana makavariritira murenje.
Hapana chavaishaya.
Hanzu dzavo hadzina kusakara.
Makumbo avo haana kuzvimba.
“Makavapa ndudzi dzavanhu nenyika dzokutonga
mukavagovanisa nyika, mativi ose,
nezvo vakatora kuita yavo nyika
yaSihoni mambo weHeshibhoni
nenyikawo yaOgi mambo weBhashani.
Makavapa vana vakawanda senyenyedzi dzedenga
mukauya navo munyika yamakanga matsidzira
madzibaba kuzopindamo vachiita yavo.
“Saizvozvo vana vavo vakapinda
munyika iyoyi vakaiita yavo.
Makavaisira pasi pavo vagari venyika iyi vechiKanani
mukavaisa mumaoko avo
pamwechete namadzimambo avo
navanhu vechirudzi vomunyika imomo
kuti vaite zvavanoda navo.
Vakakurira maguta etsvingo
nenyika yakapfuma.
Vakatora kuita zvavo dzimba dzizere
nezvinhu zvose zvakanaka
namatsime akaitwa zvokuchenwa padombo
neminda yamagirepisi nemindawo yemiorivhi
nemiti yemichero yakawanda kuita machiri.
Zvokudya vakadya, zvakawanda chaizvo
vakanyatsoguta zvokuita miviri chaiyo
Vakaita mutambaratede vagere zvavo mune
zvakanaka kwazvo zvamunovapa.
“Kunyange zvakadaro
zvazvo havana kuteerera,
vakakupandukirai.
Mitemo yenyu vakakanda pasi,
vakauraya vaporofita venyu
vaivakurudzira kuti vatendeukire kwamuri;
vakaita zvikuru zvokukushonhai.
Naizvozvo imi
makavaisa mumaoko avavengi vavo
vakavaonesa nhamo.
Panguva yenhamo yavo iyoyo vakachema kwamuri,
muri kudenga ikoko makavanzwa.
Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda
makavapa vanunuri
vakavanunura mumaoko evavengi vavo.
Asi vaiti vakange vava murugare
vodzokerazve mukukutadzirai.
Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo
kuti vagovatonga.
Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri
mainzwa kudenga ikoko.
Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo.
Makayambira kuitira kuti vadzokere kumutemo wenyu;
ivo ndopavakazvitutumadza zvavo
vakarega kuteerera mirao yenyu
vakatoita zvitadzo zvokukanganisa zvirevo zvenyu
zvokuti anenge achizvichengeta anorarama;
vakava tsvuuramuromo
kutogwikura mapendekete kuramba.
Vakaomesa musoro
vachiramba kuteerera.
Kwemakore mazhinji maingovaitira mwoyo murefu
muchingovayambira noMweya wenyu
nomuromo wevaporofita venyu
asi hazvina kumbovapinda munzeve.
Naizvozvo imi makavaisa mumaoko
emarudzi edzinyika idzi.
Kunyange zvazvo zvakadaro
netsiye dzenyu nyoro dzakawanda
hamuna kubva mavatsakatisa kana kuvafuratira
nokuti imi muri Mwari
ane ngoni ane tsitsi.
“Saka zvino Mwari wedu,
iyemi mukuru Samasimbaose,
Mwari anotyisa
anochengeta chitenderano,
Samwoyochena;
musaone sechinhu chiduku
nhamo dzakawira isu
namadzimambo edu navatungamiri vedu
navapristi vedu
navaporofita vedu
namadzibaba edu
navanhu venyu vose
kubvira panguva yamadzimambo eAsiria
kusvikira pari nhasi.
Kunyange zvakadaro zvazvo,
makangoramba muri mururami
pane zvose zvakadai kutiwira
pamusana pokuti imi makaita zviri pachokwadi
asi isu takaita zvakaipa.
Madzimambo edu
navatungamiriri vedu
navapristi vedu
namadzibaba edu
havana kuchengeta mutemo wenyu
kana kumboita hanya nomurao wenyu
kana yambiro dzamakavayambira nadzo.
Kunyange pavainge vari muumambo hwavo
havana kukushandirai,
vari mune zvakanaka kwazvo zvamaivapa,
muzidhandanda renyika yakapfuma
yamakatovaisira zvenyu pamberi pavo kupa;
asi zvokusiyana nemabasa avo akaipa, havana.
Hezvi nhasi uno tiri varanda kudai
munyika yamakapa madzibaba edu
kuti vanakirwe zvavo nemichero yayo
nezvipo zvayo zvakanaka,
chionai zvino, tangova varanda.
Zvakawanda kwazvo zvainobereka
zvinoenda zvazvo kumadzimambo
amakatiisira kuti atitonge
pamusana pezvitadzo zvedu.
Vanotovawo nesimba
rokutonga iyesu vanhu
pamwechete nezvipfuwo zvedu
sepamadiro avo zvavo.
Tayaura isu nenhamo.”
Pamusana paizvozvi zvose tinosunga chitenderano tigochinyora, vatungamiriri vedu nevaRevhi navapristi vaise pachiri chidhindo chavo choumbo.