Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero. Vakagamhwa navarume vokuJeriko kuvaka kumberi kwacho ndokugamhwawo kuvaka kumberi naZakuri mwanakomana wokwaImuri. Vanakomana vokwaHasenaa vakavaka suo guru reHove. Vakaisa magwatidziro aro vakaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Kubva ipapo, Meremoti mwanakomana wokwaUriya mwana waHakozi ndiye akagadzira zvichienda mberi. Mberi kwaiyeyu kukavakwa naMeshuramu mwanakamana waBherekiya mwana wokwaMeshezabheri. Pamberi pacho pakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana. VokuTekoa ndovakavakawo chidimu chaitevera uyu asi vakuru vakuru veko havana kutakura basa ravakapiwa namadzishe avo. Joyadha mwanakomana waPaseya naMeshuramu mwanakomana waBhesodheya ndivo vakagadziridza suo guru reChinyakare. Vakaisa magwatidziro aro vakaisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Mberi kwaivava kwakagadzirwa naMeratiya wokuGibheoni naJadhoni wechiMeroni navarumewo vokuGibheoni nevokuMizipa vakanga vachitongwa nagavhuna wenyika yokuMhiri kwerwizi rwaYufuratesi. Uzieri mwanakomana waHarihaya mhizha yendarama ndiye akagadzirawo mberi kwake. Akagamhwawo kuvaka mberi kwake naHananiya mumwe wavagadziri vemafuta anonhuwirira. Vakagadziridza Jerusaremu kusvikira kuRusvingo rwaKapamhama. Mberi kwaivava kwakaitwawo naRefaya mwanakomana waHuru mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu. Jedhaya mwanakomana waHarumafu ndiye akagadzira mberi kwavo pakanangana nepamba pake. Ndokuteverwawo naHatushi mwanakomana waHashabhuneya. Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhu mwanakomana waPahatimoabhu vakavakazve chimwe chimbimbi chacho neNharirire yeZvoto. Akateverwa naSharumu mwanakomana waHaroheshi mutongi wechimwe chikamu cheJerusaremu kugadzira kwacho iye navakunda vake. Hanuni navagari vokuZanoa vakagadziridza suo guru rokuBani. Vakarivakazve vakariisa magonhi aro nezvihuri zvaro nomazariro aro. Vakagadzira chimbimbi chorusvingo chinoita mazana mana emamita ane mamita makumi mana kusvikira pasuo guru roKumarara. Marikiya mwanakomana wokwaRekabhu mutongi wedunhu reBhetihakeremu akagadziridza suo guru rokuMarara. Akarivakazve akariisa magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Sharumu mwanakomana wokwaKoruhoze mutongi wedunhu reMizipa akagadziridza suo guru reChisipiti. Akarivakazve akariturika denga akaisawo magonhi aro nezvihuri zvaro namazariro aro. Akavakawo rusvingo rwokudziva reShera romubindu ramambo kusvikira kumadanho anodzika kuburuka muguta raDhavhidhi. Akagamhwawo kuvaka naNehemiya mwanakomana waAzibhuku mutongi wechimwe chikamu chedunhu reBhetitsuru akagadzirawo kusvika pakatarisana namakuva okwaDhavhidhi kudzamara kundosvika kuDziva riya rakaitwa navanhu kusvikawo kumba yemagamba. VaRevhi vakagadzira chimbimbi chaitevera uyu ndeava vanoti: Rehumu mwanakomana waBhani tevere Hashabhiya mutongi wedunhu reKeira akavaka akamiririra dunhu rake. Ndopanouyawo hama dzavo idzi dzaiti Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi mutongi wechimwe chikamu chedunhu reKeira kwouya Ezero mwanakomana waJeshua mutongi weMizipa. Ndiye akagadziridza chimwe chimbimbi chepakatarisana nokunochengeterwa zvombo zvehondo pamukwidza kana kuti kona. Achiteverwa kuvaka chimwewo chacho naBharuki mwanakomana waZabhai akagadziridza kubvira paKona ipapo kusvikira kumusuo wemba yaEriyashibhi mupristi mukuru. Akateverwawo naMerimoti mwanakomana wokwaUriya mwanakomana waHakozi akagadziridza chimwe chidimu kutangira kumusuo wemba yaEriyashibhi kusvikirawo panoperera imba yacho yaEriyashibhu. Aiteverwawo pakugadziridza uku navapristi vakanga vakamira vakadai izvi: paiti varume vomunharaunda iyoyo kwouya Bhenjamini naHashubhu, ava vakagadziridza pakanga pakatarisana nepane dzimba dzavo tevere Azariya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waAnaniya akagadzirawo parutivi pemba yake achiteverwawo naBhinai mwanakomana waBhenadhadhi akagadzirawo chimwewo chidimu chacho kubvira pamba paAzariya kudzamara paKona paye kusvikirawo paye panotenderera. Pararu mwanakomana waUzai akagadzirawo pakatarisana napaKona pacho nepanharirire iya inooneka pamusoro pemba yamambo yapamusoro iya munhandare yavachengetedzi. Aiteverwa naPedhaya mwanakomana waParoshi nevashandi vepatemberi vainge vachigara kuOferu, vakagadziridzawo kubva ipapo kusvikira pakatarisana nesuo guru rokumvura kumabvazuva nenharire iya inoonekwa nepamusoro. Ndopanozouyawo vanhu vokuTekoa, vakagadziridza chimwewo chimbimbi kubvira pakatarisana nezinharirire guru riye raionekwa nepamusoro kusvika kuRusvingo rwaOferu. Kumusoro kwesuo guru reMabhiza kwakagadziridzwa navapristi mumwe nomumwe pakatarisana nepamba pake. Vaiteverwa naZadhiki mwanakomana waImeru vakagadziridza pakanga pakatarisana nepamba pake. Vaiteverwawo naShemaya mwanakomana waShekaniya muchengetedzi wepasuo guru rokuMabvazuva akagadziridzawo. Akagamhwawo naHaniya mwanakomana waSheremiya naHanu mwanakomana wechitanhatu waZarafu kugadziridza chimwewo chikamu. Aiteverwa naMeshuramu mwanakomana waBherekiya akagadziridzawo pakatarisana nepaaigara. Aimutevera ndiMarikiya mumwe wemhizha dzezvendarama akagadziridzawo kubvirapo kusvikira kudzimba dzavashandi vepatemberi nedzevanhu vemhindu dzokutengesa zvinhu pakatarisana nesuo guru rokuOngororera vanhu nokukamba kepamusoro kekukona. Mhizha dzezvendarama nevemhindu dzokutengesa zvinhu vaye vakagadzirawo chimbimbi chokubva pakamba kepamusoro kekukona kuya kusvikira kusuo guru reHwai.
Verenga chikamu Nehemiya 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemiya 3:1-32
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo