Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 1:1-10

Nehemiya 1:1-10 SCLB

Zvino idzi ndidzo nyaya dzaNehemiya mwanakomana waHakariya. Zvino zvakaitika kuti mumwedzi waKisirevhu mugore rechimakumi maviri ndiri muguta guru reSusa, hama yangu Hanani akasvikako achibva kwaJudha aina vamwe varume. Ini ndakamubvunza nezvevaJudha vakanga vachiri vapenyu vaye vakapunyuka muutapwa uyewo nezveJerusaremu. Iye akandipindura achiti, “Vapenyu vacho vari uku kunyika iyoyo vakapunyuka muutapwa vaye, vari munhamo huru kwazvo inonyadzisa. Rusvingo rweJerusaremu rwakapazirwa pasi, misuo yaro mikuru ikaroromeswa nomoto.” Pandakanzwa mazwi iwaya ndakagara pasi ndikahwihwidza kuchema ndichiungudza kwamazuva akati kuti. Ndakaramba ndichitsanya ndichinamata kuna Mwari Wedenga ndichiti, “Tenzi, Mwari Wedenga. Muri Mwari mukuru anotyisa anochengeta chitenderano chake navanomuda vanochengeta mitemo yenyu. Tarisaiwo nemeso enyu muone, murerekere zvenyu nzeve yenyu munzwe munamato wangu ini muranda wenyu wandava kuita mberi kwenyu siku nesikati ndichinamatira vanhu veIsiraeri varanda venyu ndichireurura zvitadzo zvavanhu veIsiraeri zvatakakutadzirai nazvo, zviri zvokutadza izvi ini namadzibaba emhuri yokwangu, takatadza. Takakutadzirai zvokutadza zviya. Hatina kuchengeta mitemo nemirao nezvirevo zvamakaudza muranda wenyu Mosesi. Moyeukawo chirevo chamakareva kune muranda wenyu Mosesi muchiti, ‘Kana imi mukazova vanhu vasina kutendeka, ini ndichazokumwararidzai mukati memarudzi. Asi mukange mazotendeukira kwandiri mukateerera mitemo yangu moichengeta kunyange zvazvo manga makamwararidzirwa kure kwakaperera denga chaiko; ndichazovakokorodza ikoko ndouya navo kunzvimbo yandakasarudza kuti ndiise zita rangu ipapo.’ Varanda venyu ava, vanhu venyu vamakanunura namasimba enyu makuru noruoko rune simba.

Verenga chikamu Nehemiya 1