Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 9:14-24

Mariko 9:14-24 SCLB

Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.”

Verenga chikamu Mariko 9