Kuzoti ava oga, vakanga vanaye pamwechete navane gumi navaviri vakamubvunza nezvemienzaniso. Iye ndokuti kwavari, “Imi makapiwa zvakavanzika zvoumambo hwaMwari asi kune vokunze zvose zvinopiwa nemienzaniso, kuti, “Kutarisisa vatarisise zvavo asi vasina zvavanoona. Kuteerera vateererese zvavo asi vasinganzwisisi nokuti vangadaro vakapinduka vakazoregererwa.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ko, hamuna kunzwisisa muenzaniso uyu here? Ko zvino muchazonzwisisa sei mienzaniso yose. Mukushi anomwaya izwi. Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari. Ndizvozvo zvimwechete navakakushwa parukangarahwe, vanoti kana vanzwa izwi vanobva varigamuchira pakarepo norufaro; asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo. Vanokushwa muminzwa ndivo vaya vanonzwa izwi, asi kuzvidya mwoyo nezvapasi pano nokutorwa mwoyo noupfumi, uyezve ruchiva rwezvimwe zvinhu, zvinopinda zvovhunga izwi, rokundikana kubereka michero. Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vaya vanonzwa shoko nokurigamuchira nokubereka michero, dzimwe makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana.”
Verenga chikamu Mariko 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 4:10-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo