Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 2:13-28

Mariko 2:13-28 SCLB

Zvino Jesu akabvapo oendazve pedyo negungwa, gungano ravanhu rakauya kwaari akavadzidzisa. Zvino akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo agere pahofisi yomutero akati kwaari, “Nditevere.” Iye akasimuka ndokumutevera. Zvino paakanga agere pakudya mumba maRevhi, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake nokuti vaimutevera vakanga vakawanda. Dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzebato ravaFarisei padzakamuona achidya navatadzi navateresi, dzakati kuvadzidzi vake, “Seiko mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Jesu paakazvinzwa akati kwavari, “Vakukutu havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodaidza vakarurama, asi vatadzi.” Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisei vakanga vachitsanya. Vanhu ndokuuya kwaari ndokuti, “Seiko vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisei vachitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?” Jesu akati kwavari, “Mungati vanhu vari pamuchato ngavatsanye here iye muwani vachinaye? Kana muwani vachinaye chete havatsanyi. Asi mazuva achauya achabviswa muwani pavari, pazuva iroro ndipo pavachazotsanya. Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru; kana akadaro, chiremo chitsva chinobvarura hanzu tsaru, ikabva yanyanya kubvaruka. Hakuna munhu anodira waini itsva muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru, nokuti kana akadaro waini inoputisa zvigubhu, waini inorasika, zvigubhu zvichiparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muzvigubhu zvitsva.” Zvino Jesu akati achipfuura nomuminda yekoroni uri musi weSabata; vadzidzi vake, vachifamba kudaro, vakatangisa kupurura hura dzekoroni. VaFarisei vakati kwaari, “Tarisai muone! Ko, vanoitireiko zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Akavapindura achiti, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi, zviya zvaakanga asina chokudya, oziya nenzara iye navaiva naye, kupinda kwaakaita mumba yaMwari, apo Abhiyatari akanga ari mupristi mukuru akadya zvingwa zvakasumwa kuna Mwari, zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kunze kwavapristi voga akapawo vaaiva navo?” Jesu ndokuti kwavari, “Sabata rakaitirwa munhu, munhu haana kusikirwa Sabata, kwete. Saka Mwanakomana womunhu ndiMambo kunyange weSabatawo.”

Verenga chikamu Mariko 2

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMariko 2:13-28