Kwakangoti pfuurei mazuva akati kuti, akapindazve muKapenaumu. Zvakazonzwika kuti ave pamba. Vanhu vazhinji vakaungana zvokuti pakanga pasisina kana nekanzvimbo kose kakasara, kunyange napamusuo pose; iye akanga achivaparidza shoko. Vamwe vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga akatonhora mitezo akatembedzanwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo. Jesu, paakaona chitendero chavo, akati kumunhu akatonhora mitezo, “Mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.”
Verenga chikamu Mariko 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 2:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo