Paaibuda muTemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi tarisai muone kunaka kwamatombo aya nedzimba dzacho.” Jesu akamupindura achiti, “Uri kuona here mazimba mahombe aya? Hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.”
Paakanga akagara pasi pagomo reMiorivhi rakatarisana neTemberi, Pita naJemusi naJohani naAndrea vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Tiudzeiwo kuti izvi zvichaitika rini uye kuti chiratidzo chokuti zvose izvi zvava kuda kuitika chichava chei?”
Ipapo Jesu akatanga kuvaudza achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye,’ vachirasisa vazhinji. Kana monzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo musanyanye kutya. Izvi zvinofanira kuti zviitike, asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana–siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari. Shoko Rakanaka rinofanira kuti ritange raparidzwa kumarudzi ose. Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene. Mukoma kana munun'una vachacherana kuti mumwe auraiwe, baba vachadarowo kumwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo vachivauraisa Uye muchazovengwa navanhu vose pamusana pangu. Uyo anotsungarara kusvikira kumagumo ndiye achaponeswa.
“Asi kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chomira pachisingafaniri kumira, anoverenga ngaanzwisisewo, saka vari Judhea ngavatizire kumakomo. Anenge ari pamusoro pemba, ngaarege kuburukira pasi kuti apinde mumba make kundotora chinhu. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jazi rake. Hameno zvavo vanenge vane pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti zvisaitike panguva yechando. Nokuti pamazuva iwayo pachava nenhamo isati yamboitika kubvira pakutanga kwokusikwa kwezvinhu zvakasikwa naMwari kusvika pari nhasi, uye hazvichazomboitikazve. Dai kuri kuti Tenzi haana kutapudza zvake mazuva iwayo, hapana munhu airarama, asi pamusana pavasarudzwi vaakasarudza akatapudza mazuva acho.
“Panguva iyoyo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu! Kana kuti ari koko!’ Musazvitende. Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka. Asi, imimi chichenjerai, ndafanokuudzai zvinhu zvose.