Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa. Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.” Akakanda jasi rake pasi, ndokukwakuka ouya kuna Jesu. Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chienda zvako, chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona, akatevera Jesu munzira.
Verenga chikamu Mariko 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 10:46-52
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo